NDEDZIPI MHUKA INA MUBHUKU RA ZVAKAZARURWA
Zvakazarurwa 4v6-8 –
Mifananidzo yaJesu yechiporofita mubhaibheri inotora zvimiriro zvakasiyana. Kutanga kune zviratidzo zvechiporofita, sewhayana yechibairo, ropa pamisuvo munaExodus, Areka, chingwa newaini zvakaratidzwa naMelchizedek, zvichidaro.
Chepiri, nhau dzechiporofita, zviitiko sekubuda kwevana ve Israeri muEgipita(Exodus)(zvichiratidza kutorwa kwekereke, kuroorwa kwa Rute naBouz (zvichimirira kubatanidzwa kwekereke yakatendeka naJesu,) Kuparadzwa kweSodoma neGomora (zvichireva kutambudzika kukuru), nezvakadaro. Zvitiko izvi zvakaitika kare, sai Mwari vakazvichengeta muShoko kuti vati dzidzise nezvebasa ravo roruponeso.
KUSATYA NEKUSANYARA – (CONFIDENT AND UNASHAMED)
1 John 2v28-29 – “Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake. Kana muchiziviva kuti iye wakrurama, zivai vo kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.”
SILVER IN THEIR SACKS
Genesis 42v27-28
Zvino mumwe wavo wakati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomo yake. Akati kuhama dzake: Mari yangu yadzoswa; heyi iri mohomo yangu ; ipapo vakavora mwoyo , vakataririna, vachibvunda, vakati: Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?
Munyaya iyi, vakoma vaJosefa vanoenda kuEgipita kunotenga chikafu mugore renzara. Havana kunge vaziva kuti munun’una wavo Josefa wavakambenge vatengesa semuranda mokore mazhinji akange apfuura. Ndiye akange aitwa mutariri wechikafu muEgipita. Vakoma vake havana kumurangarira, asi iye akavaziva pakareo paakavaona.
Muenzaniso Wapauro: Ndakafa Pachezvangu, Ndinoraramira Basa Ramwari (Paul’s Example; Death To Self, Living For God’s Work)
[download the document as a PDF: MUENZANISO WAPAURO]
VaGaratia 2:20
Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku kwandinorarma munyama zvino, ndinorarama nokuenda kuri muMwanakomana waMwari wakandida akazvipa nokuda kwangu.
Pauro wakafa pachezvake aka raramira Kristu woga. Kushanduka kwake kuva mukristu kakanga kusiri kokugamuchira kutenda kutsva nemafungiro bedzi – asi, akashandura nzira yezvaaita nayo zvinhu zvose. Ichokwadi kuti akashundura maonero aKristu (2 Cor 5:16). Pauro iinzwisisa kuti Jesu akamufira, aifanira kufanira kufa pachake, oregera kuzviraramira nezvishuwo zvake, nekutanga kuraramira Kristu. Wakaparidza kuti munhu wose aite zvimwezvo.
TSAMBA KUKEREKE IRI PAFIRADERFIA – PART TWO (Letter to Philadelphia pt.2)
Zvakazarurwa 3:7-13
“Nyorera mutumwa we kereke iripa Firaderfia uti :zvanzi naiye mutsvene,iye une key ya Davidi,iye unoti kana azarura hakuna unopfiga, kana apfiga hakuna uno zarura, ndinoziva mabasa ako,(tarira, ndakisa pamberi pako mukova wakazarurwa hakuna unga gona kuupfiga),kuti unesimba shoma hako, wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu.
[Muzvidzidzo zvpfuura munyaya iyi zvitsanangura nezvetsamba nomwe mubhuku yazvakZarurwa nekuwiriran nenguva dzaksiyana munhahu yekereke. Kana usina kuwana zvidzidzo zvokutanga tizivise]
1 Korinte 12:7-19 – “Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa koMweya, kuti vose vabasirwe. Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu; mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu; mumwe kuita mabasa esimba; mumwe, kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi…”
1 Korinte 13:8-12 - “Rudo harungotoperi; zvino kana kuri kuprofita, kuchabviswa; kana kuri kuziva, kuchabviswa. Nokuti tinoziva zvisikakwana, tinoprofita zvisakakwana; asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa. Ini ndichiri mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana; zvino zvandava murume ndabvisa zinhu zvomwana. Nokuti zvino tinovona pachivonivoni, tisinga voni kwazvo; sainenguva iyo tichavona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana asi nenguva ndichaziva zvakakwana neni vo.”
Pauro akanyora zvipo zvinomwe zvomweya muna 1 Korinte 12. Mweya mutsvene uchiri kupa zvipo ivzi nanhasi.
2 Timotio 4:13 – “…Nguwo yandakasiya paTroa kuKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebuku, zvikuru magwaro amatebge…”
Izvi zvinoita kunge zvisina basa pakupedzisira kwetsamba yaPauro kuna Timotio asi zvine shoko remweya mutsvene yedu nhasi. Tinorangarira kuti shoko rose rakafemerwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa, pakuraira, nokururamisa, uye nokuranga mukururama. (2 Timotio 3:16)