Gal 2:20
Ndakaroverwa pamwe chete nanaKristu handichiri ndinorarama asi Kristu unorarama mandirikurarama uku kwandinorarama nako munyama zvino ndinorarama nekutenda kuri Mumwanakomana waMwari wakandida akazvipa nokuda kwangu.
Ndaka. . . . . -Apostora Pauro vanotaura nezvavakasangana nazvo voramba vachiva nazvo pahushamuri hwavo. Pauro anotaura zvatinofanira kuita kuti tive neruponeso, toraramba tiri mazviri tobva taoona kubata kunoita Mwari pakubata kwedu.
. . . . ROVERERWA PAMWE NAKRISTU-Jesu akaroverwa padanda, maoko ake akavhurika. Izvozvo zvakaita kuti asafeme zvikaunza rufu. Kamufiro kakadai kairwadza izvo zvaiita nevaRoma kana munhu aching atadza.
Jesu akasangana nekushungurudzwa kukuru sechibairo chedu.
Esther 4:14 “Ndiani anoziva wauya pachigaro chehumambo kwenguva yakareba seizvi?”
Esther anoratidza chiporofita chinoratidza chimwe chinhu cheKereke yakatendekaKuburikidza nenyaya yake Mwari vanotiratidza kuti kereke yakatendeka inofanira kuita sei.
Esther anopinda panguva yakaita sei iyi. Nguva yekuti Esther aifanira kumiririra vanhu vaMwari nenguva yemedambidziko. Mwari vanogadza Esther” munguva yakafanira yakaita seiyi” –apo vanhu vaMwari pavari kuda kukunda.
Esther 5:1-3 “Nezuva iroro Esther akapfeka nguwo dzehumambo uye akamira mumba yehumambo, pamberi pamambo. Mambo vakanga vakagara pachigaro chehumambo vakatarisa kumukova. Pavakaona mambokadzi Esther vakamira muimba iyoyo vakafadzwa naye vamupa chuma chegoridhe chakanga chiri mumaoko ake. Esther akabata chuma . Mambo akabvunza Esther kuti chii ichi?Chii chaunoda . Nyangwe chidimbu chehumambo ndinokupa”
DAVID FLEES FROM ABSALOM- 2 SAMUEL 15:14
2 Sameri 15:14- “David akti kunevaranda vake vakanga anavo muJerusaremu kuti ngatizeyi nokuti hapana anozombosungunurwa kubva kuna Absaromi! Endayi izvozvi kana kuti achitidarika pobva paita bongozozo owuraya vagari vemunzvimbo ino nebanga.”
Humambo hwaDavid huri Mutestamente yekare unopfugitsa humambo hwa Jesu. Davida aitevera Mwari nemwoyo wake wose. Akanga asindaite zvake asi amirira Mwari kuti amusimudzire kuita mambo panguva yake. Zvinyorwa zvinoenzanisa vamwe vatungamiri vakatonga nguva yaDavida kuti vaitevera Mwari nemwoyo wese.
Rev. 5:1- “kana munhu akatadza nekuti haataure kana achinge anzwa ruzhinji ruchipupura maringe nezvinhu zvaaona kana zvadzidza nezvazvo, anofanirwa kuzozvimirira”
Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanirwa kuita zvakanaka. Panadzimwe nhambo kusaita chinhu chitadzo.” Uyo anoziva chokwadi orega kuchiita chitadzo (Jam 4:17) Hutongi hwenyika huurangariri chitema chokukanganwa (kusiirira). Zvino Bhaibheri rinorangarira-Mwari anotarisira zvimwe zvinhu kwatiri, kusaita zvimwe zvinhu kuratidza kusateerera.
Chivimbiso chaMwari kuna Davida
(God’s Promise to David – 1 Chro 17:1-9)
1 Koronike 17:1 – 6 Zvino David akati agree mumba make, David akati kumuprofita Natani:Tarira, ndigere mumba yomusidari, asi areka yesangano ya Johova igere pasi pemucheka 2 Natani akati kuna Davidi:Itai zvenyu zvose zviri mumwoyo yenyu, nokuti Mwari anemi. 3 Zvino neusiku ihwo shoko rakasvika kuna Natani richiti 4 Enda unoudza Davidi muranda wangu uti: Iwe haungandivakiri imba mandingagara, 5 nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakatora maIsrael kusvikira pazuva ranhasi asi ndakabva patente rimwe ndichienda pane rimwe napatabernakeri imwe ndichienda kune imwe 6pose pandakafamba navaIsrael vose ndakatotaura here shokokunomumwe wavatongi vaIsraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu ndichiti : Makaregereiko kundivakira imba yomusadiri?
Revitiko 5:5-6 - Kana munhu atadza mune dzese idzi nzira dzese, anofanira kupupura nzira dzese dzatadza sechibairo chechivi, Anofanira kuunza hwayana hadzi kana mbudzi sechibairo chechivi muPirisita
-Chibairo chemhuka ndiyo yega nzira yairegererwa chivi munguva yekare (Old Testament). Pasina kudeuka kweropa pakanga pasina kuregerwa. (Heb 9:22)
-Nzira iyi yakambobvepi?
VASHTI REMOVED FROM HER ROYAL POSITION
Estere 1:19-20
“….Kana mambo achifara nazvo mambo ngaateme murairo unesimba ramambo unyorwe pamurairo yavaPersia navaMedia, urege kushandurwa kuti Vashti arege zve kuzouya pamberi pamberi pamambo Ahashveroshi, mambo ngaape mumwe akanaka kupfura iye vahosi vake.20-Zvino kana chirevo chamambo chavakatema chikaparidzwa pavushe hwake hwose ,(nokuti vakuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vose vakuru nevaduku.
Psalms 119:1-8 “Aleph”
1 Vakaropafadzwa avo vanenzira yakarurama, vanofamba mumurawo waJehovah.
2 Vaka ropafadzwa vanochengeta pupuriro dzake, vanomutsvaka nomoyo wose
3 Zviro kwazvo havaite chinhu chisina kururama, vanofamba munzira dzake
4 Makaitira zvirevo zvenyu kuti tizvichengete zvakanaka.
5 Haiwa, dai nzira dzangu dzakagadzirirwa,kuchengeta mitemo yenyu!
6 Ipapo handinganyadziswi, kana ndichigarira mirairo yenyu yose.
7 Ndichakuvongai nomoyo wakarurama.
Deceitful Ways and the Way of the Truth- Psalms 119:29 -30
29 Bvisai kwandiri nzira yenhema; nyasha dzenyu mundipe murau wenyu
30 Ndkakasanangura nzira yakatendeha; ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu.
“Ndibvisei panzira dzinonyengera” – Kunyepa – Vatendi vazhinjinagvangware varege kunyepa. Ichi ichokwadi kunevaka poneswa uye vaka babatidzwa muMweya ne kuzarurirwa. Hazvibvire kusanganisa manyepo nechokwadi, kana kuzarurirwa ne mahungahunga. Kereke inoidza kuti irifamba pakuzarurirwa pazvinhu zvose hagoni kuva nevatungamiri vanowedzeredza pakutaura zvinhu zvisiri izvo, vachi wedze nenhema huwandu hwevanhu pamishangano yavo kana vhuserere dzavo kana kereke dzavo. Kana vatungamiriri vanotenda manyepo ne mahungahunga avanozwa pamsoro vamwe vanhu, kana pamsoro pekereke, kunyagwe pamsoro pe mamwe mafudisi edzimwe kereke.