NDEDZIPI MHUKA INA MUBHUKU RA ZVAKAZARURWA
Zvakazarurwa 4v6-8 –
Mifananidzo yaJesu yechiporofita mubhaibheri inotora zvimiriro zvakasiyana. Kutanga kune zviratidzo zvechiporofita, sewhayana yechibairo, ropa pamisuvo munaExodus, Areka, chingwa newaini zvakaratidzwa naMelchizedek, zvichidaro.
Chepiri, nhau dzechiporofita, zviitiko sekubuda kwevana ve Israeri muEgipita(Exodus)(zvichiratidza kutorwa kwekereke, kuroorwa kwa Rute naBouz (zvichimirira kubatanidzwa kwekereke yakatendeka naJesu,) Kuparadzwa kweSodoma neGomora (zvichireva kutambudzika kukuru), nezvakadaro. Zvitiko izvi zvakaitika kare, sai Mwari vakazvichengeta muShoko kuti vati dzidzise nezvebasa ravo roruponeso.
Chetatu, kune zvakavanzika zvechiporofita, kutaurwa munyaya zinortidza kunge kusina kwazvinobva nekwazvinoenda, asizvichiratidza kunemamwe mubasa aKristu eruponeso. Muenzaiso murairo munaDetoromio 21v23 kuti wakatukwa uyo “unoroverwa pamuti”, zvichiratidza nzira iyo Jesu uchatora zvivi zvedu pamuchinjikwa.
Chukupedzisira, muenzaniso yeciporofita, vanhu vaneupenyu nehunu zvinotidzidzisa nezvaJesu – izvo Ishe vakasarudza kuchengeta Mumagwaro. Muenzaniso yemubhaibheri inotidzidzisa nezve mabasa mana aJesu – se muporofita, muprisita, mambo nemunhu wakarurama.Mubhuku yakare(Old Testament)yakavimbisa kuti Mesiya uchauya uchazadzisa mabasa awa ose. Uchava muPrisita mukuru (uchaparadza chivi zvachose). Uchava muProfita mukuru (sekutauru kwaMoses, “ Ishe vachamutsa muporofita seni pakati penyu,” Deto 18v15). Uchava Mambo wamadzimambo (Pisarema 2v2-12; Zakaria 14v3-9). Mwarivakaratidzazve kuti Mwanakomana uchava semunhu, Shok rakavanyama rikagara pakati pedu, kuvamunhu wakarurama(Isaya 42v1-4; 53v1-12).
Marudzi awa ose mana anoratidzw mu Mhuka ina muna Zvakazarurwa- chiso cheshumba (humambo), chiso chemombe (chibairo), chiso chemunhu (Adam mutsva),nechiso chegondo (denga, kusingaperiperi, zvirva chiporofita).
Shumba – Jesu ndiye shumba yemaJuda, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. “Tarira, shumba yerudzi rwamaJuda, worudzi rwaDavidi, wakunda. Iye unokwanisa kuzarura …..” (Zvakazarurwa 5v5) Genesis 49v 9, Hosia 11v10, Isaya 31v4).
Mombe – Chibairo, muka ino takura mitoro. Levi 9v4-19, Numeri 7v 3-88; Deto 25v4; Pisarema 144v14).
Munhu- Ruka 3v37 (marudzi aJeso kusvikira kunaAdam, kuratidza kui ndiye Adam wepiri uye mudzikinuri wevanhu vose; zvosiyan anazvamarudzi akanyorwa naMateo ano ratidza humambo bedzi). VaRoma 5v12-14; 1Cori 15v45(Adam wokupedzisira)Zita raJesu rukuti Mwanakomana woMunhu Danieri 7v13;Mateo 13v37-41, 25v31; Mako10v45; Ruka 9v22-26; Zvakazarurwa 14v14.
Gondo – Exodus 19v4
Chimwe nechimwe chinopindirana Mavhangeri mana. Mateo anoratidza humambo waJesu, Mako anoratidza kuti Jesu nobvisa zvivi, Ruka anoratidza kuti Jesu munh wakarurama, Adam mutsva (anotsvaka rudzi rwaJesu kusvikira kuna Adam kwete kuna Abrahamu),Johani anoratidza Jesu sewokusingaperi peri, Shoko, Zvakazarurwa. Machira mana nemisivo yeTemberi muGwenga- purple, red, white linen, neblue- zvinoratidzawo mabasa amuPonesi wedu. Anoenderana ne Vhangeri ina raizouya : purple= humambo (Mateo); red= dzikinuro (Mako); white linen= wakarurama (Ruka, zita rake rinoreva zvichena”); neblue= kusingaperiperi/ chiporofita (Johani).
Zvakazururwa 5v14 inoti, “Mhuka ina dzakati Ameni, vakuru vakwa pasi vakarumbidza.” Izvi zvairevera kuropa raJesu akaita kuti akwanise kuzaruyra bhuku kudenga. Bhaibheri ino taurazve nezve mhuka ina munaEzekieri 1v4-21 naIsaya 6v2-3.
NDEDZIPI MHUKA INA MUBHUKU RA ZVAKAZARURWA was translated from “What are the Four Living Creatures in Revelation?”